1. Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta memisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navavari vakanga vanaye,
2. uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharina) uya akanga abudiswa mweya yakaipa, minomwe maari,
3. Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo.