Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 7:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ”

21. Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, hosha nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu.

22. Saka akapindura nhume akati, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo.

23. Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.”

24. Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?

25. Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda.

26. Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uye anokunda muprofita.

27. Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndichatuma munyai wangu pamberi pako,uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’

28. Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”

29. Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 7