Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 6:44-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

44. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.

45. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

46. “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?

47. Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.

48. Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.

49. Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 6