Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 6:38-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”

39. Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here?

40. Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.

41. “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako?

42. Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.

43. “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.

44. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.

45. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

46. “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?

47. Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.

48. Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.

49. Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 6