Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 6:28-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.

29. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.

30. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.

31. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.

32. “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.

33. Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.

34. Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.

35. Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.

36. Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

37. “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye imi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye imi muchazoregererwawo.

38. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 6