Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 5:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari,

2. uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka usvasvi hwavo.

3. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.

4. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”

5. Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu usvasvi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 5