7. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”
8. Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”
9. Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano.
10. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Iye acharayira vatumwa vake pamusoro pakokuti vakuchengete kwazvo;
11. vachakusimudza mumaoko avo,kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ”
12. Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
13. Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
14. Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.