Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 4:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.

15. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.

16. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.

17. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:

18. “Mweya waShe uri pamusoro pangu,nokuti akandizodzakuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwauye kuti vasingaoni vaone,kuti ndisunungure vakamanikidzwa,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 4