Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 4:12-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”

13. Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.

14. Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.

15. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.

16. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.

17. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:

18. “Mweya waShe uri pamusoro pangu,nokuti akandizodzakuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwauye kuti vasingaoni vaone,kuti ndisunungure vakamanikidzwa,

19. kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”

20. Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati ndee kwaari,

21. uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”

22. Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”

23. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ”

24. Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake.

25. Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo panyika yose.

26. Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 4