Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 3:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,

22. Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”

23. Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Akanga ari mwanakomana, sokuonekwa kwazvo, waJosefa,mwanakomana waHeri,

24. mwanakomana waMatati,mwanakomana waRevhi,mwanakomana waMereki,mwanakomana waJani,mwanakomana waJosefa,

25. mwanakomana waMatatiasi,mwanakomana waAmosi,mwanakomana waNahumi,mwanakomana waEsiri,mwanakomana waNagai,

26. mwanakomana waMaati,mwanakomana waMatatiasi,mwanakomana waSemeini,mwanakomana waJoseki,mwanakomana waJodha,

27. mwanakomana waJoanani,mwanakomana waResa,mwanakomana waZerubhabheri,mwanakomana waShearitieri,mwanakomana waNeri,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 3