Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 3:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”

18. Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.

19. Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womukoma wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita,

20. Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.

21. Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,

22. Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”

23. Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Akanga ari mwanakomana, sokuonekwa kwazvo, waJosefa,mwanakomana waHeri,

24. mwanakomana waMatati,mwanakomana waRevhi,mwanakomana waMereki,mwanakomana waJani,mwanakomana waJosefa,

25. mwanakomana waMatatiasi,mwanakomana waAmosi,mwanakomana waNahumi,mwanakomana waEsiri,mwanakomana waNagai,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 3