Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 21:24-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa navaHedheni kusvikira nguva dzavaHedheni dzazadziswa.

25. “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.

26. Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti hondo dzokudenga dzichazungunuswa.

27. Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.

28. Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”

29. Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.

30. Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.

31. Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.

32. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.

33. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

34. “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 21