Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 21:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.

21. Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.

22. Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.

23. Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 21