Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 21:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.

18. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.

19. Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.

20. “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.

21. Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.

22. Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.

23. Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.

24. Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa navaHedheni kusvikira nguva dzavaHedheni dzazadziswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 21