Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 21:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Kuchava nokudengenyeka kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.

12. “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.

13. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.

14. Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.

15. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.

16. Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanun'una, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.

17. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.

18. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 21