Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 19:33-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”

34. Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”

35. Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.

36. Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 19