Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 19:19-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’

20. “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.

21. Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ano mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’

22. “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?

23. Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’

24. “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’

25. “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’

26. “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.

27. Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ”

28. Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwira kuJerusarema.

29. Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,

30. “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.

31. Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ”

32. Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.

33. Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 19