Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 18:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?”

19. Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga.

20. Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ”

21. Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.”

22. Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.”

23. Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.

24. Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!

25. Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”

26. Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?”

27. Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”

28. Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!”

29. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana munun'una, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari,

30. asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 18