Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 17:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’?

9. Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here?

10. Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’ ”

11. Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea.

12. Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure

13. uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!”

14. Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa.

15. Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru.

16. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.

17. Jesu akati, “Ko, havazi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi?

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 17