Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 17:27-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Vanhu vaidya, vachinwa, vachiwana nokuwaniswa kusvikira zuva rakapinda Noa muareka. Ipapo mafashamu akasvika akavaparadza vose.

28. “Zvakanga zvakadarowo pamazuva aRoti. Vanhu vakanga vachidya nokunwa, vachitonga nokutongesa, vachidyara nokuvaka.

29. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesuriferi zvakanaya, zvichibva kudenga zvikavaparadza vose.

30. “Zvichaita saizvozvo pazuva iro Mwanakomana woMunhu acharatidzwa.

31. Pazuva iro hakuna munhu ari pamusoro pedenga remba, ane nhumbi dzake mukati memba, anofanira kuburuka kuti andodzitora. Saizvozvowo, hakuna munhu ari kumunda achadzokera chinhu chero chipi zvacho.

32. Rangarirai mukadzi waRoti!

33. Ani naani anoedza kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa noupenyu hwake achahuponesa.

34. Ndinoti kwamuri, pazuva iro vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe; mumwe achatorwa mumwe achisiyiwa.

35. Vakadzi vaviri vachange vachikuya zviyo pamwe chete; mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

36. Varume vachange vari mumunda. Mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.”

37. Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?”Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 17