Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 17:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo.

2. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava.

3. Saka zvingwarirei.“Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere.

4. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.”

5. Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!”

6. Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai.

7. “Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’?

8. Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’?

9. Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here?

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 17