Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 14:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanun'una vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.

27. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.

28. “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?

29. Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 14