Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 14:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbonodziedza. Ndapota ndiregererei.’

20. “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’

21. “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta undouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.

22. “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’

23. “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.

24. Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ”

25. Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye iye akatendeukira kwavari akati,

26. “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanun'una vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.

27. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.

28. “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?

29. Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,

30. achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’

31. “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri?

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 14