Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 14:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu,

14. ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”

15. Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”

16. Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru uye akakoka vanhu vazhinji.

17. Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’

18. “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’

19. “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbonodziedza. Ndapota ndiregererei.’

20. “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 14