Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 12:45-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Asi ngatimbotii muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa.

46. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvamburabvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi.

47. “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji.

48. Asi munhu akanga asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari.

49. “Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye ndinoshuva sei kuti dai wakabatidzwa kare!

50. Asi ndino rubhabhatidzo rwandichapinda marwuri, uye ndinoshungurudzwa sei kusvikira ruchiitika!

51. Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa.

52. Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu.

53. Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”

54. Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo.

55. Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo.

56. Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino?

57. “Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama?

58. Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 12