Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 12:32-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.

33. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.

34. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.

35. “Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta,

36. savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 12