Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 12:27-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya.

28. Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku!

29. Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo.

30. Nokuti vahedheni vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo.

31. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwa kwamuri.

32. “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.

33. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.

34. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 12