Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.

5. “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’

6. Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.

7. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.

8. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.

9. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10