Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”

26. Iye akapindura akati, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”

27. Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ”

28. Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”

29. Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”

30. Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.

31. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona munhu uyo, akamunyenyeredza.

32. Saizvozvowo, muRevhi, akati asvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10