Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.

14. Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.

15. Uye iwe, Kaperinaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika.

16. “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”

17. Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”

18. Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni.

19. Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.

20. Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”

21. Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.

22. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana, uye naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”

23. Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10