Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.

2. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.

3. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.

4. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.

5. “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’

6. Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.

7. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.

8. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.

9. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10