Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 10:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.

2. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.

3. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.

4. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.

5. “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’

6. Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.

7. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.

8. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.

9. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’

10. Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,

11. ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’

12. Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.

13. “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.

14. Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 10