Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 7:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

8. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

9. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?

10. Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?

11. Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

12. Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti uyu ndiwo Murayiro naVaprofita.

13. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhamha zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 7