Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 7:21-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’

23. Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

24. “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.

25. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.

26. Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.

27. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya uye ikawa nokuwa kukuru.”

28. Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,

29. nokuti akadzidzisa somunhu aiva nesimba kwete samadzidzisiro aitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 7