Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 7:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Usatonga kuti newewo urege kutongwa.

2. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

3. “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?

4. Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?

5. Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsikatsika pasi petsoka dzadzo, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvamburabvamburai.

7. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

8. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

9. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?

10. Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 7