Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 6:5-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

6. Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

7. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.

8. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.

9. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:“ ‘Baba vedu vari kudenga,zita renyu ngarikudzwe,

10. umambo hwenyu ngahuuye,kuda kwenyu ngakuitwe panyikasezvinoitwa kudenga.

11. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.

12. Tiregererei zvatinokutadzirai,sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

13. Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa,uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’

14. “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.

15. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.

16. “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

17. Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu,

18. kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.

19. “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba.

20. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba.

21. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 6