Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 5:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vakaropafadzwa vanoyananisanokuti vachanzi vana vaMwari.

10. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururamanokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

11. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.

12. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

13. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

14. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

15. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.

16. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 5