Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 5:6-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakaruramanokuti vachagutswa kwazvo.

7. Vakaropafadzwa vane tsitsinokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.

8. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,nokuti vachaona Mwari.

9. Vakaropafadzwa vanoyananisanokuti vachanzi vana vaMwari.

10. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururamanokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

11. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.

12. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

13. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

14. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

15. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.

16. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

17. “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.

18. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.

19. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.

20. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 5