Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 5:39-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Asi ndinokuudzai kuti, ‘Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.

40. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.

41. Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.

42. Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.’

43. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’

44. Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,’

45. kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.

46. Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?

47. Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?

48. Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 5