Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 4:9-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”

10. Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”

11. Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.

12. Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.

13. Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,

14. kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:

15. “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,Garirea ravaHedheni,

16. vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru;kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,chiedza chavhenekera.”

17. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

18. Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.

19. Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

20. Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.

21. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun'una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,

22. uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.

23. Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo nokuparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.

24. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyanasiyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.

25. Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 4