Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 27:35-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.

36. Uye vakagara pasi, vakamurinda.

37. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.”

38. Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.

39. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo

40. uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!”

41. Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,

42. “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.

43. Anovimba naMwari ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”

44. Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.

45. Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.

46. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”

47. Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”

48. Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe.

49. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.”

50. Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 27