Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 26:31-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,boka ramakwai rigopararira.’

32. Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”

33. Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.”

34. Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.”

35. Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo.

36. Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.”

37. Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kuva neshungu, uye akatambudzika.

38. Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 26