Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 26:11-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.

12. Paadira mafuta anonhuwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu.

13. Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”

14. Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru

15. akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha.

16. Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.

17. Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”

18. Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ”

19. Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwava kanga vaitwa vakandogadzira Pasika.

20. Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri.

21. Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.”

22. Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?”

23. Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira

24. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”

25. Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”

26. Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”

27. Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.

28. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.

29. Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”

30. Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

31. Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,boka ramakwai rigopararira.’

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 26