Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 24:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.

7. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.

8. Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa kwokubereka.

9. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.

10. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,

11. uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.

12. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.

13. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.

14. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.

15. “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise,

16. ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.

17. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.

18. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 24