Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 24:44-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

44. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.

45. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?

46. Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.

47. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.

48. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’

49. uye ipapo iye otanga kurova vamwe varanda uye kudya nokunwa nezvidhakwa.

50. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.

51. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 24