Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 24:33-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.

34. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.

35. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

36. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.

37. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

38. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,

39. uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

40. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

41. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

42. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.

43. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.

44. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.

45. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 24