Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 24:32-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava padyo.

33. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.

34. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.

35. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

36. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.

37. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

38. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,

39. uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

40. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

41. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

42. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.

43. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.

44. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.

45. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?

46. Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.

47. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.

48. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’

49. uye ipapo iye otanga kurova vamwe varanda uye kudya nokunwa nezvidhakwa.

50. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 24