Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 23:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.

5. Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.

6. Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusorosoro mumasinagoge.

7. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.”

8. “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.

9. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba mumwe chete uye vari kudenga.

10. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.

11. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.

12. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.

13. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.

14. Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.

15. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 23