Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 23:30-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’

31. Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.

32. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!

33. “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?

34. Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.

35. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZakaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 23