Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 23:20-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.

21. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.

22. Uye uyo anopika netemberi anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.

23. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi moshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.

24. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.

25. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.

26. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.

27. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anotaridzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.

28. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

29. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.

30. Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’

31. Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.

32. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!

33. “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?

34. Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.

35. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZakaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 23